Isaiah 50

Chivi chaIsraeri noKuteerera kwoMuranda

1Zvanzi naJehovha:

“Ko, rugwaro rwokurambwa
kwamai venyu rwuripiko rwandakavadzinga narwo?
Uye ndevapiko vandakakwereta
ndikazokutengesai kwavari?
Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu;
mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.
2Sei ndakashaya munhu, pandakauya?
Sei pasina akapindura pandakadana?
Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei?
Handina simba rokukununurai here?
Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa;
ndinoshandura nzizi dzikava gwenga;
hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura,
uye dzinofa nenyota.
3Ndinoshongedza denga nerima
uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”

4Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa,
kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika.
Anondimutsa mangwanani namangwanani,
anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.
5Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu,
uye handina kumumukira;
handina kudzokera shure.
6Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova,
namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu;
Handina kuvanza chiso changu
pakusekwa nokupfirwa mate.
7Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira,
handizonyadziswi.
Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara,
uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.
8Iye anondiruramisira ari pedyo.
Ndianiko zvino achandipa mhosva?
Ngatitarisanei!
Ndianiko mupomeri wangu?
Ngaanangane neni!
9Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira.
Ndianiko achandipa mhosva?
Vose vachasakara senguo;
vachadyiwa nezvipfuno.

10Ndiani pakati penyu anotya Jehovha,
uye anoteerera shoko romuranda wake?
Ngaafambe murima,
iye asina chiedza,
ngaavimbe nezita raJehovha
uye avimbe naMwari wake.
11Asi zvino, imi mose munotungidza moto
muchava nemwenje inopfuta,
endai, mufambe muchiedza chomoto
wenyu nechemwenje yamakabatidza.
Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu:
Muchavata pasi mukurwadziwa.
Copyright information for SnaBDSC